Isaiah 54

Kubwinya kuchaita Zioni

1“Imba, iwe mukadzi asina mwana,
iwe usina kumbobereka mwana
pururudza uimbe rwiyo, pembera nomufaro,
iwe usina kumborwadziwa;
nokuti vana vomukadzi akasiyiwa ari oga vazhinji kupfuura
veane murume,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.

2Wedzera nzvimbo yetende rako,
tambanudza micheka yetende rako ifare,
usarega kuita izvozvo;
rebesa tambo dzako,
simbisa mbambo dzako.
3Nokuti uchapararira kurudyi nokuruboshwe;
vana vako vachatorera dzimwe ndudzi
uye vachagara mumatongo amaguta avo.
4“Usatya hako: haunganyadziswi.

Usatya kunyadziswa; haunganinipiswi.
Uchakanganwa nyadzi dzapaudiki hwako,
uye hauzorangaririzve kunyadzisa kwouchirikadzi hwako.
5Nokuti Muiti wako ndiye murume wako,
Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake,
Mutsvene waIsraeri ndiye Mudzikinuri wako;
anonzi Mwari wenyika yose.
6Jehovha achakudanazve
sokunge wanga uri mukadzi akasiyiwa, uye anotambudzika pamweya,
mukadzi akawanikwa achiri mudiki,
pedzezvo ndokurambwa,” ndizvo zvinotaura Mwari wako.
7“Kwechinguvana ndakakusiya,
asi netsitsi huru ndikakudzosazve.
8Ndichisundwa nehasha
ndakavanza chiso changu kwauri kwechinguva,
asi nounyoro husingaperi
ndichava netsitsi, pamusoro pako,”
ndizvo zvinotaura Jehovha Mudzikinuri wako.

9“Kwandiri izvi zvakafanana namazuva aNoa,
pandakapika kuti mvura zhinji yaNoa haizofukidzizve nyika.
Naizvozvo zvino ndapika kuti ndirege kukutsamwira,
kana kukutukazve.
10Kunyange makomo akazungunuswa,
uye zvikomo zvikabviswa,
rudo rwangu rusingaperi harungazungunuswi,
uye sungano yangu yorugare haingabviswi,”
ndizvo zvinotaura Jehovha anokunzwira tsitsi.

11“Haiwa, iwe guta rokutambudzika wakarohwa nedutu ukasanyaradzwa,
ndichakuvaka namabwe ana mavara,
nheyo dzako namabwe esafire.
12Ndichakuitira zviruvi zvamabwe matsvuku,
masuo amabwe anovaima,
uye masvingo ako ose amabwe anokosha.
13Vanakomana venyu vose vachadzidziswa naJehovha,
uye rugare rwavana venyu ruchava rukuru.
14Muchasimbiswa mukururama:
Kumanikidzwa kuchava kure nemi:
hapana chamuchazotya.
Kutya kuchava kure nemi;
hakuchazosviki pedyo nemi.
15Kana mumwe akakurwisa, handisini ndinenge ndazviita;
ani naani anokurwisa achazvipira kwauri.

16“Tarira, ndini ndakasika mupfuri wesimbi
anopfutidza mazimbe moto ugonganduma,
uye anopfura munondo wakakodzera pabasa rawo.
Uye ndini ndakasika muparadzi kuti aparadze;
17hapana munondo ucharwisana newe ukakunda,
uye uchakonesa rurimi rumwe norumwe runokupomera mhosva.
Iyi ndiyo nhaka yavaranda vaJehovha,
uye uku ndiko kururamisirwa kwavo kunobva kwandiri,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
Copyright information for SnaBDSC